Ezra 8:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakatara ŋguʋa yokuɀinyima ɀokudya parwizi Ahava, kuti tiɀininipise pamberi paMŋari weɗu, tiɀikumbirire kwaari isu nepxere dzeɗu nefuma yeɗu yose nzira yakarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo, paRwizi rweAhavha, ndakatara nguva yokutsanya kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu uye kuti timukumbire kuti atifambise rwendo rwakanaka isu navana vedu nepfuma yedu yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazodaidzira kuti kutsanywe ipapo parwizi rweAhavha kuitira kuti tizvidukupise kuna Mwari wedu kuti atiwanisewo kufamba kwakanaka isu navana vedu nezvedu zvose zvataiva nazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakatara nguva yokuzvinyima zvokudya parwizi Ahavha, kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu, tizvikumbirire kwaari isu nepwere dzedu nepfuma yedu yose nzira yakarurama.
Shona 2009?
Ipapo ndakatara nguva yokutsanya parwizi Ahavha, kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu, tizvikumbirire kwaari isu nepwere dzedu nefuma yedu yose nzira yakarurama.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakatara nguva yokuzvinyima zvokudya parwizi Ahavha, kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu, tizvikumbirire kwaari isu nepwere dzedu nepfuma yedu yose nzira yakarurama.