Ezra 8:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakanyara kukumbira kunamambo ɓoka raʋarwi naʋataȿi ʋamabiza kutiɓatsira kurwa naʋaʋeŋgi panzira; nokuti takaŋga tataura namambo, ticiti: Ruʋoko rwaMŋari weɗu runoceŋgeta ʋose ʋanomutȿaka, kuʋaitira ɀakanaka; asi simba rake nokutsamŋa kwake ɀinorwa naʋose ʋanomurasha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndakanyara kukumbira mambo kuti atipe varwi navatasvi vamabhiza kuti vatirwire kubva kuvavengi vedu parwendo nokuti takanga taudza mambo kuti, “Ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwuri pamusoro pomunhu wose anotarira kwaari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chakandidariso kwaiva kunyara kukumbira mambo chikwata chavarwi vehondo navachairi vamabhiza vokutidzivirira kuvavengi murwendo rwedu sezvo takanga tati kuna mambo, “Ruoko rwaMwari wedu ruri pane vose vanomutsvaka kuti zvivanakire, uku, simba rehasha dzake richivirukira vose vanomufuratira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakanyara kukumbira kuna mambo boka ravarwi navatasvi vamabhiza kutibatsira kurwa navavengi panzira; nokuti takanga tataura namambo, tichiti, “Ruoko rwaMwari wedu runochengeta vose vanomutsvaka, kuvaitira zvakanaka; asi simba rake nokutsamwa kwake zvinorwa navose vanomurasha.”
Shona 2009?
Nokuti ndakanyara kukumbira kuna mambo boka ravarwi navatasvi vamabhiza kutibatsira kurwa navavengi panzira; nokuti takanga tataura namambo, tichiti, "Ruoko rwaMwari wedu runochengeta vose vanomutsvaka, kuvaitira zvakanaka; asi simba rake nokutsamwa kwake zvinorwa navose vanomurasha."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakanyara kukumbira kuna mambo boka ravarwi navatasvi vamabhiza kutibatsira kurwa navavengi panzira; nokuti takanga tataura namambo, tichiti, “Ruoko rwaMwari wedu runochengeta vose vanomutsvaka, kuvaitira zvakanaka; asi simba rake nokutsamwa kwake zvinorwa navose vanomurasha.”