Ezra 8:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo takabva parwizi Ahava ne zuʋa regumi namaʋiri romŋedzi wokutaŋga, ticienda Jerusarema; ruʋoko rwaMŋari weɗu rukaticeŋgeta; akatirwira pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu naʋakaŋga ʋakatiʋandira panzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva regumi namaviri romwedzi wokutanga takabva parwizi rweAhavha tichienda kuJerusarema. Ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pamusoro pedu, uye akatidzivirira kubva kuvavengi navakanga vakativandira panzira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Takazosimuka kubva parwizi rwaAhavha pazuva regumi nechipiri remwedzi wokutanga toenda Jerusaremu, ruoko rwaMwari wedu ruri patiri. Akatinunura mumaoko avavengi nokune vaitihwandira munzira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo takabva parwizi Ahavha nezuva regumi namaviri romwedzi wokutanga, tichienda Jerusaremu; ruoko rwaMwari wedu rukatichengeta; akatirwira pamaoko avavengi vedu navakanga vakativandira panzira.
Shona 2009?
Ipapo takabva parwizi Ahavha nezuva regumi namaviri romwedzi wokutanga, tichienda Jerusaremu; ruoko rwaMwari wedu rukatichengeta; akatirwira pamaoko avavengi vedu navakanga vakativandira panzira.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo takabva parwizi Ahavha nezuva regumi namaviri romwedzi wokutanga, tichienda Jerusaremu; ruoko rwaMwari wedu rukatichengeta; akatirwira pamaoko avavengi vedu navakanga vakativandira panzira.