Ezra 8:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pazuʋa recinna kurema kwesirveri, nendarama, nemidziyo ɀakayerwa muimba yaMŋari weɗu, ɀikaiswa pamaʋoko aMeremoti mŋanakomana womuprista Uria; Ereazari mŋanakomana waPinehasi wakaŋga anaye, ʋuye Jozabadi mŋanakomana waJeshua, naNoadia mŋanakomana waBinui, iʋo ʋaRevi, ʋakaŋga ʋanaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechina, muimba yaMwari takayera sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene mumaoko aMeremoti mwanakomana waUria, muprista. Ereazari mwanakomana waFinehasi akanga aripowo naye, uye navaRevhi vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhia mwanakomana waBhinui.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechina racho, mukati memba yaMwari imomo, sirivha iya nendarama nemidziyo yakaerwa ikaiswa mumaoko omupristi Meremoti mwanakomana waUriya aivawo naEreazari mwanakomana wokwaFinehasi vaine vaRevhi ava vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhiya mwanakomana wokwaBhinui.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pazuva rechina kurema kwesirivha, nendarama, nemidziyo zvakayerwa muimba yaMwari wedu, zvikaiswa pamaoko aMeremoti mwanakomana womupristi Uriya; Ereazari mwanakomana waPinehasi akanga anaye, uye Jozabhadhi mwanakomana waJeshua, naNowadhia mwanakomana waBhinui, ivo vaRevhi, vakanga vanavo.
Shona 2009?
Zvino pazuva rechina kurema kwesirivha, nendarama, nemidziyo zvakayerwa muimba yaMwari wedu, zvikaiswa pamaoko aMeremoti mwanakomana womuprista Uriya; Ereazari mwanakomana waPinehasi akanga anaye, uye Jozabhadhi mwanakomana waJeshua, naNowadhia mwanakomana waBhinui, ivo vaRevhi, vakanga vanavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pazuva rechina kurema kwesirivha, nendarama, nemidziyo zvakayerwa muimba yaMwari wedu, zvikaiswa pamaoko aMeremoti mwanakomana womupristi Uriya; Eriazari mwanakomana waFiniasi akanga anaye, uye Jozabhadhi mwanakomana waJeshua, naNowadhia mwanakomana waBhinui, ivo vaRevhi, vakanga vanavo.