Ezra 8:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋatapxa, ʋakaŋga ʋadzoka pakutapxa, ʋakapisira Mŋari waIsraeri cipiriso cinopiswa, nzombe dzinegumi nembiri dzaʋaIsraeri ʋose, namakondobge anamakumi mapfumbamŋe namatanhatu, namakwaiana anamakumi manomŋe namanomŋe, nenhoŋgo dzembudzi dzinegumi nembiri, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; iɀoɀo ɀose caiʋa cipiriso cakapisirwa Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vatapwa vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakabayira zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri: hando gumi nembiri dzavaIsraeri vose, makondohwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makono makumi manomwe namanomwe, uye nhongo dzembudzi gumi nembiri, sechipiriso chechivi. Zvose izvi zvaiva chipiriso chinopiswa kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo vokudzoka kuutapwa vakanga vatapwa vakatamisirwa kusi kwavo vaye vakapira mipiro yokupisa kuna Mwari weIsiraeri zvaiti gumi rehandira dzokupirira Isiraeri yose nehondohwe makumi mapfumbamwe nenhanhatu nehwayana makumi manomwe nenomwe namakotora gumi namaviri omupiro wokupfupira zvitadzo. Zvose izvozvi zvaiva zvomupiro wokupisira kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vatapwa, vakanga vadzoka pakutapwa, vakapisira Mwari waIsiraeri chipiriso chinopiswa, nzombe dzine gumi nembiri dzavaIsiraeri vose, namakondohwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makumi manomwe namanomwe, nenhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, chive chipiriso chezvivi; izvozvo zvose chaiva chipiriso chakapisirwa Jehovha.
Shona 2009?
Zvino vatapwa, vakanga vadzoka pakutapwa, vakapisira Mwari waIsiraeri chipiriso chinopiswa, nzombe dzine gumi nembiri dzavaIsiraeri vose, namakondobwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makumi manomwe namanomwe, nenhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, chive chipiriso chezvivi; izvozvo zvose chaiva chipiriso chakapisirwa Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vatapwa, vakanga vadzoka pakutapwa, vakapisira Mwari waIsiraeri chipiriso chinopiswa, nzombe dzine gumi nembiri dzaVaIsiraeri vose, namakondohwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makumi manomwe namanomwe, nenhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, chive chipiriso chezvivi; izvozvo zvose chaiva chipiriso chakapisirwa Jehovha.