Ezra 9:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iɀi ɀakati ɀapera, macinda akasweɗera kwandiri, akati: Ʋanhu ʋaIsraeri, naʋaprista, naʋaRevi haʋana‐kuɀiraʋura paʋanhu ʋenyika paneɀinonyaŋgadza ɀaʋo, iʋo ʋaKanaani, naʋaHiti, naʋaPerezi, naʋaJebusi, naʋaAmoni, naʋaMoabi, naʋaEgipita, naʋaAmori.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokunge zvinhu izvi zvose zvaitwa, vatungamiri vakauya kwandiri vakati, “Vanhu veIsraeri, zvichisanganisira vaprista navaRevhi, havana kuzvitsaura kubva kumarudzi avakavakidzana nawo nezvinonyangadza zvavo, zvakafanana nezvevaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhu, vaIjipita uye navaAmori.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mokunge izvi zvaitwa, vakuru vakuru vakauya kwandiri vakati, “Vanhu vechiIsiraeri navapristi nevaRevhi havana kuzvitsaura kune vechirudzi vedzinyika idzi nokune zvakaipa zvadzo zvisingadiwe naMwari kune vechiKanani nevaHiti nevaPerizi nevaJebhusi nevaAmoni nevaMoabhu nevechiIjipiti nevaAmori
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino izvi zvakati zvapera, machinda akaswedera kwandiri, akati, “Vanhu vaIsiraeri, navapristi, navaRevhi havana kuzviraura pavanhu venyika panezvinonyangadza zvavo, ivo vaKenani, navaHiti, navaPerezi, navaJebhusi, navaAmoni, navaMoabhu, navaIjipiti, navaAmori.
Shona 2009?
Zvino izvi zvakati zvapera, machinda akaswedera kwandiri, akati, "Vanhu vaIsiraeri, navaprista, navaRevhi havana kuzviraura pavanhu venyika panezvinonyangadza zvavo, ivo vaKenani, navaHiti, navaPerezi, navaJebhusi, navaAmoni, navaMoabhu, navaIjipiti, navaAmori.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino izvi zvakati zvapera, machinda akaswedera kwandiri, akati, “Vanhu VaIsiraeri, navapristi, navaRevhi havana kuzviraura pavanhu venyika pane zvinonyangadza zvavo, ivo VaKenani, navaHiti, navaPerezi, naVaJebhusi, navaAmoni, navaMoabhu, navaIjipiti, naVaAmori.