Ezra 9:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
yamakatiraira naʋaranda ʋenyu ʋaprofita, muciti: Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakaȿiɓiswa nokuipa kwaʋanhu ʋenyika idzo, nemhaka yeɀinonyaŋgadza ɀaʋo, ɀakaizadza namatȿina aʋo kubva parutiʋi rumŋe kuȿikira panorumŋe rutiʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
yamakapa kubudikidza navaranda venyu vaprofita pamakati, ‘Nyika yamuri kupinda kuti ive yenyu inyika yakasvibiswa nokuora kwavanhu vayo. Nezvinonyangadza zvavo vakaizadza noutsvina hwavo kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe rutivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
yamakareva nomuromo wevaranda venyu vaporofita muchiti, ‘Nyika yamava kupinda kundoita yenyu iyi, inyika yakan'oreswa nouipi hwevanhu venyika idzodzo nezviito zvavo zvakaipa zvisingadiwe naMwari zvakazara kunze nokunze nokun'ora kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
yamakatiraira navaranda venyu vaporofita, muchiti, ‘Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakasvibiswa nokuipa kwavanhu venyika idzo, nemhaka yezvinonyangadza zvavo, zvakaizadza namatsvina avo kubva parutivi rumwe kusvikira panorumwe rutivi.
Shona 2009?
yamakatiraira navaranda venyu vaporofita, muchiti, Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakasvibiswa nokuipa kwavanhu venyika idzo, nemhaka yezvinonyangadza zvavo, zvakaizadza namatsvina avo kubva parutivi rumwe kusvikira panorumwe rutivi.
Shona SUB 2002 Bible
yamakatiraira navaranda venyu vaporofita, muchiti, ‘Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakasvibiswa nokuipa kwavanhu venyika idzo, nemhaka yezvinonyangadza zvavo, zvakaizadza namatsvina avo kubva parutivi rumwe kusvikira panorumwe rutivi.