Ezra 9:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, regai kupa ʋanakomana ʋaʋo ʋakunda ʋenyu, kana kutora ʋakunda ʋaʋo kupa ʋanakomana ʋenyu, kana kuʋatȿakira rugare nomufaro nokusiŋgaperi; kuti muʋe nesimba, mudye ɀakanaka ɀenyika, mugoisiyira ʋana ʋenyu iʋe nhaka yaʋo nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, musapa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo kana kutora vanasikana vavo kuti vawanikwe navanakomana venyu. Musaita chibvumirano kana ushamwari navo panguva ipi zvayo, kuitira kuti musimbe uye mudye zvinhu zvakanaka zvenyika uye mugoisiyira kuvana venyu senhaka isingaperi.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo musaroodze vanasinaka venyu kuvanakomana vavo kana kuroorera vanakomana venyu vanasikana vavo. Musambofa makatsvaka zvenyu kuwirirana navo kana kuvabatsira kubudirira kuitira kuti musimbe mudyewo zvakanaka zvomunyika iyoyo muchizoisiyirawo vana venyu senhaka narini wose.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino, regai kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutora vakunda vavo kupa vanakomana venyu, kana kuvatsvakira rugare nomufaro nokusingaperi; kuti muve nesimba, mudye zvakanaka zvenyika, mugoisiyira vana venyu ive nhaka yavo nokusingaperi.’
Shona 2009?
Naizvozvo zvino, regai kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutora vakunda vavo kupa vanakomana venyu, kana kuvatsvakira rugare nomufaro nokusingaperi; kuti muve nesimba, mudye zvakanaka zvenyika, mugoisiyira vana venyu ive nhaka yavo nokusingaperi.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino, regai kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutora vakunda vavo kupa vanakomana venyu, kana kuvatsvakira rugare nomufaro nokusingaperi; kuti muve nesimba, mudye zvakanaka zvenyika, mugoisiyira vana venyu ive nhaka yavo nokusingaperi.’