Ezra 9:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀatakaitirwa iɀi ɀose nokuɗa kwamaɓasa eɗu akaipa, ʋuye nokuɗa kwemhoȿa dzeɗu huru, imi Mŋari weɗu ɀamusina‐kutiroʋa ɀakariŋgana ɀakaipa ɀeɗu, mukatisiyira ʋamŋe ʋakaɗai,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvakaitika kwatiri zvakaitika nokuda kwamabasa edu akaipa nemhosva yedu huru, asi kunyange zvakadaro, imi Mwari wedu makatiranga zvishoma kupfuura zvaikodzera zvivi zvedu uye makatipa vakasara vakadai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure meizvozvi zvose zvakadai kutiwira pamusana pezviito zvedu zvakaipa uye nemhosva yedu huru tichionawo kuti imi Mwari wedu hamuna kutiranga sezvataikodzera uye makatotipawo zvenyu chitsama chavanhu vakasara sechichi;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvatakaitirwa izvi zvose nokuda kwamabasa edu akaipa, uye nokuda kwemhosva dzedu huru, imi Mwari wedu zvamusina kutirova zvakaringana zvakaipa zvedu, mukatisiyira vamwe vakadai.
Shona 2009?
"Zvatakaitirwa izvi zvose nokuda kwamabasa edu akaipa, uye nokuda kwemhosva dzedu huru, imwi Mwari wedu zvamusina kutirova zvakaringana zvakaipa zvedu, mukatisiyira vamwe vakadai.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvatakaitirwa izvi zvose nokuda kwamabasa edu akaipa, uye nokuda kwemhosva dzedu huru, imi Mwari wedu zvamusina kutirova zvakaringana zvakaipa zvedu, mukatisiyira vamwe vakadai.