Ezra 9:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino tiŋgapamhidza ɀe kuɗarika mirairo yenyu here, nokushamŋaridzana naʋanhu ʋanoita iɀi ɀinonyaŋgadza here? Hamuŋgazotitsamŋiri kuȿikira matiparadza here, kuȿikira kusinawakasiyiwa, kana wakapukunyuka?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tingaputsazve here mirayiro yenyu nokuwanana namarudzi anoita zvinhu zvinonyangadza zvakadai? Hamungatitsamwiri zvakafanira kutiparadza, muchitisiya pasina mupenyu kana angasara here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndipo here patingatyore zvakare mitemo yenyu tichiroorerana nevanhu vanoita zvakaipa zvisingadiwe nemi Mwari? Hazvingakushatirisei here mukatosvika pakutiparadza zvokutozosara pasisina chitsama chevanhu vanosara kana kuwana anopunyuka?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino tingapamhidzazve kudarika mirairo yenyu here, nokushamwaridzana navanhu vanoita izvi zvinonyangadza here? Hamungazotitsamwiri kusvikira matiparadza here, kusvikira kusina akasiyiwa, kana akapukunyuka?
Shona 2009?
"Zvino tingapamhidzazve kudarika mirairo yenyu here, nokushamwaridzana navanhu vanoita izvi zvinonyangadza here? Hamungazotitsamwiri kusvikira matiparadza here, kusvikira kusina akasiyiwa, kana akapukunyuka?
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino tingapamhidzazve kudarika mirairo yenyu here, nokushamwaridzana navanhu vanoita izvi zvinonyangadza here? Hamungazotitsamwiri kusvikira matiparadza here, kusvikira kusina akasiyiwa, kana akapukunyuka?