Ezra 9:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakaʋuŋgana kwandiri ʋose ʋakaŋga ʋaciɗeɗera nokuɗa kwamashoko aMŋari waIsraeri pamsoro pokuɗarika kwaʋatapxa; ndikagara pasi ndakakanuka kuȿikira paŋguʋa yecipiriso camaɗekwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vose vakadedera nokuda kwamashoko aMwari waIsraeri vakauya vakaungana pandiri nokuda kwokusatendeka kwavatapwa. Uye ndakagarapo ndakashungurudzika kusvikira nguva yechibayiro chamadekwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino vose vaye vaidedera shoko raMwari weIsiraeri pamusana pokurega kuva pachokwadi kwevokudzoka vaye vakanga vatapwa vakatamisirwa kusi kwavo vakaunganidzana pandiri ini ndigere ndadumbirwa nazvo kudaro kusvikira panguva yechibayiro chemanheru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakaungana kwandiri vose vakanga vachidedera nokuda kwamashoko aMwari waIsiraeri pamusoro pokudarika kwavatapwa; ndikagara pasi ndakakanuka kusvikira panguva yechipiriso chamadekwana.
Shona 2009?
Ipapo vakaungana kwandiri vose vakanga vachidedera nokuda kwamashoko aMwari waIsiraeri pamusoro pokudarika kwavatapwa; ndikagara pasi ndakakanuka kusvikira panguva yechipiriso chamadekwana.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakaungana kwandiri vose vakanga vachidedera nokuda kwamashoko aMwari waIsiraeri pamusoro pokudarika kwavatapwa; ndikagara pasi ndakakanuka kusvikira panguva yechipiriso chamadekwana.