Ezra 9:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndikati: Haiwa, Mŋari waŋgu, ndinonyara, ndinotȿeruka kusimudzira ciso caŋgu kwamuri Mŋari waŋgu; nokuti ɀiʋi ɀeɗu ɀaɗarika misoro yeɗu, mhoȿa yeɗu yakakwira kuȿikira kuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ndikanyengetera, ndichiti: “Haiwa Mwari wangu, ndinonyara uye ndinotsveruka kuti ndisimudze maoko nechiso changu kwamuri, Mwari wangu, nokuti zvivi zvedu zvakakura kupfuura misoro yedu uye mhosva yedu yasvika kumatenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndichiti, “Mwari wangu ndinonyara, zvabva zvandishayisa pokuda kuti ndisumudzewo uso kutarisa kwamuri Mwari wangu pamusana pokuti uipi hwedu hwareba pamusoro zvokutotipfuurira. Mhosva dzedu dzavirikidzana kusvika kudenga chaiko iko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndikati, “Haiwa, Mwari wangu, ndinonyara, ndinotsveruka kusimudzira chiso changu kwamuri Mwari wangu; nokuti zvivi zvedu zvadarika misoro yedu, mhosva yedu yakakwira kusvikira kudenga.
Shona 2009?
ndikati, "Haiwa, Mwari wangu, ndinonyara, ndinotsveruka kusimudzira chiso changu kwamuri Mwari wangu; nokuti zvivi zvedu zvadarika misoro yedu, mhosva yedu yakakwira kusvikira kudenga.
Shona SUB 2002 Bible
ndikati, “Haiwa, Mwari wangu, ndinonyara, ndinotsveruka kusimudzira chiso changu kwamuri Mwari wangu; nokuti zvivi zvedu zvadarika misoro yedu, mhosva yedu yakakwira kusvikira kudenga.