Ezra 9:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kubva pamazuʋa amadziɓaɓa eɗu takapara mhaka kwaɀo kuȿikira nhasi; ɀino nokuɗa kweɀiʋi isu namadzimambo eɗu, naʋaprista ʋeɗu, takaiswa mumaʋoko amadzimambo enyika, tiʋurawe nomunondo, titapxe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuʋa ranhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva pamazuva amadzitateguru edu kusvikira zvino, mhosva yedu yakura kwazvo. Nokuda kwezvivi zvedu, isu namadzimambo edu uye navaprista vedu takaiswa kumunondo nokuutapwa, nokuparadzwa nokuninipiswa paruoko rwamadzimambo avatorwa sezvazviri nhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira mumazuva amadzibaba edu, kusvikira pari nhasi tanga tichingova mumhosva huru. Zvino pamusana pouipi hwedu ihwohwo, isu nemadzimambo edu navapristi vedu takaiswa mumaoko amadzimambo edzinyika idzi kumapakatwa nokuutapwa nomukupambwa nomukunyadziswa chaiko sezvazviri nhasi uno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kubva pamazuva amadzibaba edu takapara mhaka kwazvo kusvikira nhasi; zvino nokuda kwezvivi isu namadzimambo edu, navapristi vedu, takaiswa mumaoko amadzimambo enyika, tiurawe nomunondo, titapwe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuva ranhasi.
Shona 2009?
Kubva pamazuva amadzibaba edu takapara mhaka kwazvo kusvikira nhasi; zvino nokuda kwezvivi isu namadzimambo edu, navaprista vedu, takaiswa mumaoko amadzimambo enyika, tiurawe nomunondo, titapwe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuva ranhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Kubva pamazuva amadzibaba edu takapara mhaka kwazvo kusvikira nhasi; zvino nokuda kwezvivi isu namadzimambo edu, navapristi vedu, takaiswa mumaoko amadzimambo enyika, tiurawe nomunondo, titapwe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuva ranhasi.