Galatians 2:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Kefasi wakati aȿika Antiokia ndakamudziʋisa pacena, nokuti wakaŋga anemhoȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Pita paakauya kuAntioku ndakamutsiura pachena nokuti akanga akanganisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Kefasi akati asvika Andioki ndakamudzivisa pachena, nokuti akanga ane mhosva.
Shona 2009?
Zvino Kefasi wakati asvika Antiokia ndakamudzivisa pachena, nokuti wakanga anemhosva.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Kefasi akati asvika Andiyoku ndakamudzivisa pachena, nokuti akanga ane mhosva.