Galatians 2:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋamŋe, ʋakaŋga ʋabva kunaJakobo, ʋasati ʋaȿika, iye waidya naʋahedeni; asi ʋakati ʋaȿika, akadzoka, akaɀiraʋura, acitya ʋakadziŋgiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya navaHedheni. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kuvaHedheni nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvaivapo ndezvokuti, vamwe varume vasati vauya kubva kuna Jemusi, aidya nevechirudzi. Asi pavakangouya akabva aregera avakuzvitsaura pamusana pokutya vebato rokudzingiswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vamwe, vakanga vabva kuna Jakobho; asi vasati vasvika, iye aidya navahedheni asi vakati vasvika akadzoka, akazviraura, achitya vakadzingiswa.
Shona 2009?
Nokuti vamwe, vakanga vabva kunaJakobho, vasati vasvika, iye waidya navahedheni; asi vakati vasvika, akadzoka, akazviravura, achitya vakadzingiswa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vamwe, vakanga vabva kuna Jakobho; asi vasati vasvika, iye aidya navahedheni asi vakati vasvika akadzoka, akazviraura, achitya vakadzingiswa.