Galatians 2:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋamŋe ʋaJuda ʋakaita mano‐mano ʋo pamŋe cete naye; ɀikaitwa kuti naiye Barnabasi ʋo akatsauswa namano‐mano aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vaJudha vakava nokusatendeka ikoko pamwe naPita. Kunyange Bhanabhasi akafurirwawo mukusatendeka kwavo ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navamwe vaJudha vakaita mano-manowo pamwechete naye; zvikaitwa kuti naiye Bhanabhasiwo akatsauswa namano-mano avo.
Shona 2009?
Navamwe vaJudha vakaita mano-manovo pamwe chete naye; zvikaita kuti naiye Bharnabhasivo akatsauswa namano-mano avo.
Shona SUB 2002 Bible
Navamwe vaJudha vakaita mano–manowo pamwechete naye; zvikaitwa kuti naiye Bhanabhasiwo akatsauswa namano–mano avo.