Galatians 2:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndakati ndiciʋona kuti haʋafambi ɀakarurama neɀokwaɗi yeEvaŋgeri, ndakati kunaKefasi pamberi paʋose: Kana iwe, uri muJuda, ucifamba saʋahedeni, usiŋgaiti saʋaJuda, unoroʋerera seiko ʋahedeni, kuti ʋafambe saʋaJuda?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza vaHedheni kuti vatevere tsika dzechiJudha?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi pandakaona kuti vakanga vasingaiti zvinowirirana nechokwadi cheShoko Rakanaka, ndakataurira Pita navamwe vose vakanga varipo ndichiti, “Zvino kana imi muJudha kudai muchigara somunhu wechirudzi musingaiti somuJudha, mungagomanikidza sei vechirudzi kuti vagare savaJudha?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndakati ndichiona kuti havafambi zvakarurama nechokwadi cheVhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: “Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni usingaiti savaJudha, unoreverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?”
Shona 2009?
Asi ndakati ndichivona kuti havafambi zvakarurama nechokwadi cheevhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni, usingaiti savaJudha, unoroverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndakati ndichiona kuti havafambi zvakarurama nechokwadi cheVhangeri, ndakati kuna Kefasi pamberi pavose: “Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni usingaiti savaJudha, unoreverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?”