Galatians 2:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀatinoziʋa kuti munhu haaruramiswi namaɓasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesu ʋo takatenda kunaKristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namaɓasa omurairo; nokuti hakunenyama icaruramiswa namaɓasa omurairo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye tinoziva kuti munhu haashayirwi mhosva nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tishayirwe mhosva nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu achashayirwa mhosva nokuchengeta murayiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
tinoziva kuti munhu haaruramiswi nezvisungo zvomutemo, asi nechitendero muna Jesu Kristu. Kunyangewo isu takatenda wani muna Kristu Jesu kuti tiruramiswe nechitendero muna Kristu kwete nezvisungo zvomutemo nokuti hapana anoruramiswa nezvisungo zvomutemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurayiro, asi nokutenda kuna Kristu Jesu, nesuo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kuna Kristu, tirege kururamiswa namabasa omurayiro; nokuti hakuna munhu acharuramiswa namabasa omurayiro.
Shona 2009?
zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesuvo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namabasa omurairo; nokuti hakune nyama icharuramiswa namabasa omurairo.
Shona SUB 2002 Bible
zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurairo, asi nokutenda kuna Kristu Jesu, nesuwo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kuna Kristu, tirege kururamiswa namabasa omurairo; nokuti hakuna munhu acharuramiswa namabasa omurairo.