Galatians 2:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naKristu; handiciri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama ɀino, ndinorarama nokutenda kuri muMŋanakomana waMŋari, wakandiɗa, akaɀipa nokuɗa kwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handichisiri ini ndiri mupenyu asi kuti Kristu ndiye avakugara mandiri. Upenyu hwandinahwo somunhu ndinohugara pamusana pechitendero chandinacho muMwanakomana waMwari akandida akapira upenyu hwake nokuda kwangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakaroverwa pamuchijikwa pamwechete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, akandida, akazvipa nokuda kwangu.
Shona 2009?
Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari; wakandida akazvipa nokuda kwangu
Shona SUB 2002 Bible
Ndakaroverwa pamuchijikwa pamwechete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, akandida, akazvipa nokuda kwangu.