Galatians 2:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ʋari iʋo ʋanonzi ʋakuru — handinemhaka kuti ʋaiʋa ʋakaɗini kare; Mŋari haatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu — kana ʋari iʋo ʋanonzi ʋakuru, haʋana‐kundiwedzera cinhu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana vari vaya vanonzi vanoremekedzwa, hazvinei kuti vakanga vakadii kwandiri hazvina mutsauko; Mwari haatongi nezvinoonekwa zvokunze, varume ivavo havana chavakawedzera pashoko rangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Avo vainzi ndivo vakuru vakuru, zvavaiva zvakanga zvisina basa kwandiri nokuti Mwari haana rusaruro. Kwavari ndinoti ivavo vainzi ndivo vakuru vakuru hapana chavakandiwedzera,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handina mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu;
Shona 2009?
Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handine mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handina mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu;