Galatians 2:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakati ʋaʋona nyasha dzandakaŋga ndapiwa, Jakobo, naKefasi, naJohane — aʋo ʋainzi mbiru — ʋakatiɓata isu tose naBarnabasi namaʋoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuʋahedeni, iʋo kunaʋakadziŋgiswa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jakobho, Petro, naJohani, ivo vainzi mbiru, vakandimbunda ini naBhanabhasi noruoko rworudyi rwokuwadzana pavakaona nyasha dzandakanga ndapiwa. Vakabvuma kuti tinofanira kuenda kuvaHedheni, uye ivo vaende kuvaJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jemusi naKefasi naJohani vainzi vakuru vakuru vacho, vaona kuti ndakapiwa chikomborero chebasa iri, vakaratidza kuva vamwe neni naBhanabhasi nokukwazisana kwatakaita navo noruoko rworudyi; izvi zvikareva kuti isu ndisu toenda kunevechirudzi ivo vachienda kuna vakadzingiswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakati vaona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohani avo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBhanabhasi namaoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa;
Shona 2009?
vakati vavona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohwani avo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBharnabhasi namavoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa;
Shona SUB 2002 Bible
vakati vaona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohani avo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBhanabhasi namaoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa;