Galatians 3:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa cakatukwa nokuɗa kweɗu, nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ʋakatukwa ʋose ʋanoturikwa pamuti!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Kristu nokuva anenge akarengererwa rushambwa akatinunura kurushambwa rwomutemo nokuti muMagwaro Matsvene makanyorwa kuti: “Akarengererwa anorushambwa munhu wose anoturikwa pamuti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kristu akatidzikinura pakutuka kwomurayiro, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!”
Shona 2009?
Kristu wakatidzikunura pakutuka komurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!
Shona SUB 2002 Bible
Kristu akatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!”