Galatians 3:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hama dzaŋgu, ndinoreʋa nokureʋa kwaʋanhu, ndiciti: Kunyaŋge iri suŋgano yaʋanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hama dzangu, regai ndipe muenzaniso woupenyu hwamazuva ose. Sezvo pasina munhu angakonesa kana kuwedzera kusungano yakaitwa navanhu kana yakatosimbiswa, zvakadarowo pana izvozvi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hama, houno muenzaniso wezvinongowanika muvanhu, hakuna munhu anopfudza chibvumirano chomunhu kana angawedzera pachiri kana chanyoreranwa pasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi.
Shona 2009?
Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi.
Shona SUB 2002 Bible
Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyangwe iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi.