Galatians 3:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, iɀo ɀipikirwa ɀakarebga kunaAbrahama nokumŋana wake. Haareʋi, aciti: Kuʋana ʋako, saʋaneŋge ʋari ʋazhinji; asi saaneŋge ari mumŋe, unoti: Kumŋana wako; uyu ndiye Kristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino zvitsidzo izvi zvakaitwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Chibvumirano ichocho hachisi kuti, “Kuvana vake” chichireva vana vazhinji asi kuti chinotaura nezvomumwechete chichiti, “NokuMwana wako,” zvichireva Kristu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, izvo zvipikirwa zvakarehwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti, “Kuvana vako,” savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti, “Kumwana wako;” uyu ndiye Kristu.
Shona 2009?
Zvino, izvo zvipikirwa zvakarebwa kunaAbhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti: Kuvana vako, savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti; Kumwana wako; uyu ndiye Kristu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, izvo zvipikirwa zvakarehwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti, “Kuvana vako,” savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti, “Kumwana wako;” uyu ndiye Kristu.