Galatians 3:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndinoreʋa cinhu ici, ndiciti: Suŋgano yakasimbiswa kare naMŋari haitorerwi simba rayo nomurairo wakazoteʋera makore mazana manna namakumi matatu apfuʋura, kuti cipikirwa cikoneswe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvandinoreva ndezvizvi: Murayiro, wakaziviswa mushure mamakore mazana mana ana makumi matatu, haungakonesi sungano yakasimbiswa kare naMwari uye nokudaro uchibvisa chipikirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi ndizvo zvandinoreva, kuti mutemo wakazouya mushure memakore mazana mana anamakumi matatu haudzimi chitenderano chakambonyoreranwa naMwari zvinoita kuti chitenderano ichocho chishaye basa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti, Sungano yakasimbiswa kare naMwari haitorerwi simba rayo nomurayiro wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuura, kuti chipikirwa chikoneswe.
Shona 2009?
Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti; Sungano yakasimbiswa kare naMwari, munaKristu, haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuvura, kuti chipikirwa chikoneswe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti, Sungano yakasimbiswa kare naMwari haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuura, kuti chipikirwa chikoneswe.