Galatians 3:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo murairo cinyiko? Wakazowedzerwa nokuɗa kweɀiʋi, kuȿikira mŋana wakapikirwa iɀoɀo acizoʋuya; iwo wakarairwa naʋatumŋa noruʋoko rwomureʋereri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino, chinangwa chomurayiro chakanga chiri cheiko? Wakawedzerwa nokuda kwokudarika kusvikira Mwana akanga achirehwa nechivimbiso asvika. Murayiro wakashanda kubudikidza navatumwa uye nomurevereri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko mutemo ndowei? Wakapamhidzirwa pamusana pokukanganisa uchinzi uvepo kusvikira mwana uya akanga aitirwa chitsidzo ichocho auya. Mutemo iwoyo wakaziviswa nokuvatumwa uye pakanga paino munhu aiva munyai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo murayiro chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana akapikirwa izvozvo achizouya; iwo wakarayirwa navatumwa noruoko rwomurevereri.
Shona 2009?
Naizvozvo murairo chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana wakapikirwa izvozvo achizovuya; iwo wakarairwa navatumwa noruvoko rwomurevereri.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo murairo chiiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana akapikirwa izvozvo achizouya; iwo wakarayirwa navatumwa noruoko rwomurevereri.