Galatians 3:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo asimurairo unorwisa ɀipikirwa ɀaMŋari here? Haiȿa! Nokuti ɗai ʋakaŋga ʋapiwa murairo waigona kuraramisa, ɀirokwaɀo kururamiswa kwaibva kumurairo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, murayiro unopikisana nechipikirwa chaMwari here? Kwete napaduku! Nokuti kana murayiro wakapiwa wakanga uchigona kupa upenyu, ipapo zvirokwazvo kururama kwaizouyawo nomurayiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko zvinoreva kuti mutemo unorwisana nezvitsidzo zvaMwari here? Hazvisizvo kwete. Dai kuri kuti pane mutemo wakatemwa unogona kupa upenyu, pakadaro ururami hungadai huchitounzwa nomutemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo asi murayiro unorwisa zvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murayiro waigona kuraramisa, zvirokwazvo kururamiswa kwaibva kumurayiro.
Shona 2009?
Ko murairo unorwisana nezvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murairo waigona kuraramisa, zvirokwazvo Kururamiswa kungadai kwakabva kumurairo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo asi murairo unorwisa zvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murairo waigona kuraramisa, zvirokwazvo kururamiswa kwaibva kumurairo.