Galatians 3:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo uyo unokupai Mŋeya, nokuita maɓasa esimba pakati penyu, unoɀiita iɀo namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ko iye anokupai Mweya Mutsvene achiita zvishamiso pakati penyu, anozviita pamusana pezvisungo zvomutemo here kana kuti nokunzwa nechitendero?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo uyo anokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, anozviita izvo namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda?
Shona 2009?
Naizvozvo uyo unokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, unozviita izvo namabasa omurairo here, kana nokunzwa kokutenda?
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo uyo anokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, anozviita izvo namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?