Galatians 3:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NoRugwaro, ɀarwakaziʋa ɀiri mberi, kuti Mŋari ucaruramisa ʋahedeni nokutenda, rwakaparidza Evaŋgeri kare kunaAbrahama, ruciti: Mauri marudzi ose acaropafadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa vaHedheni nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Magwaro Matsvene paakaona kuti Mwari anoruramisa marudzi nechitendero akafanoparidza Abhurahamu Shoko Rakanaka achiti, “Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NoRugwaro, zvarwakaziva zviri mberi, kuti Mwari acharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Vhangeri kare kuna Abhurahamu, ruchiti, “Mauri marudzi ose acharopafadzwa.”
Shona 2009?
Norugwaro zvarwakaziva zviri mberi kuti Mwari ucharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza evhangeri kare kunaAbhurahamu, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
NoRugwaro, zvarwakaziva zviri mberi, kuti Mwari acharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Vhangeri kare kuna Abhurahamu, ruchiti, “Mauri marudzi ose acharopafadzwa.”