Galatians 4:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀinhu iɀi ɀinofananidzira; nokuti ʋakadzi aʋa ʋaʋiri isuŋgano mbiri; imŋe inobva pagomo reSina, inoɓereka ʋana ʋoʋuranda — ndiye Agari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino iri raiva dimikira. Vakadzi vaviri ava vanomirira zvitenderano zviviri. Chimwe chitenderano ndechokugomo reSinai chinobereka vana vouranda, ndiye Hagari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSina, inobereka vana vouranda ndiye Agari;
Shona 2009?
Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSinai inobereka vana vovuranda ndiye Agari;
Shona SUB 2002 Bible
Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSinai, inobereka vana vouranda ndiye Agari;