Galatians 4:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi sapaŋguʋa iyo, uyo wakaɓerekwa nenzira yenyama wakatambudza wakaɓerekwa nenzira yoMŋeya, ɀakaɗaro ʋo naɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sapanguva iyoyo, uya akaberekwa maererano nenyama akatambudza uyo akaberekwa maererano naMweya. Ndizvozvo nanhasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza akaberekwa nenzira yoMweya, zvakadarowo nazvino.
Shona 2009?
Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza wakaberekwa nenzira yoMweya, zvakadarovo nazvino.
Shona SUB 2002 Bible
Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza akaberekwa nenzira yoMweya, zvakadarowo nazvino.