Galatians 4:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ɀamuri ʋanakomana, Mŋari wakatuma Mŋeya woMŋanakomana wake mumŋoyo meɗu, unoɗana, aciti: Aba, Ƃaɓa!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokuti muri vana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu watinokwanisa naye kudaidza tichiti, “Abha, Baba.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo medu unodana, achiti, “Aba, baba!”
Shona 2009?
Zvino zvamuri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya woMwanakomana wake mumoyo menyu, unodana, achiti: Aba, Baba!
Shona SUB 2002 Bible
Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo medu unodana, achiti, “Abha, Baba!”