Galatians 5:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokugoɗorana, nokuɓatwa, nokutamba kwakaipa, neɀinhu ɀakaɗai; iɀo ɀandinokuʋudzai ɀino, seɀandakambokuʋudzai kare, kuti ʋanoita ɀakaɗai haʋaŋgadyi nhaka yoʋushe bgaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uye kusafarira zvakanaka zvavamwe, uyezve kuraradza nokusazvibata kwezvidhakwa nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai sokukuyambirai kwandakamboita ndichiti vanoita zvakadai havawani nhaka youmambo hwamwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokugodorana, nokuraradza, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuudzai zvino, sezvandakambokuudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka youshe hwaMwari.
Shona 2009?
nokugodorana, nokuvuraya nokubatwa, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuvudzai zvino, sezvandakambokuvudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka yovushe bwaMwari.
Shona SUB 2002 Bible
nokugodorana, nokuraradza, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuudzai zvino, sezvandakambokuudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka youshe hwaMwari.