Galatians 5:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinopupurira mumŋe nomumŋe unodziŋgiswa, kuti iye uneŋgaʋa rokuti aite murairo wose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinonyatsokutaurirai pachena zvakare kuti munhu anobvuma kudzingiswa anofanira kuchengeta zvisungo zvose zvomutemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinopupurira mumwe nomumwe anodzingiswa, kuti iye ane ngava rokuti achengete murayiro wose.
Shona 2009?
Ndinopupurira mumwe nomumwe unodzingiswa, kuti iye unengava rokuti aite murairo wose.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinopupurira mumwe nomumwe anodzingiswa, kuti iye ane ngava rokuti achengete murairo wose.