Galatians 6:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋose ʋanoɗa kunzi ʋakanaka pane‐ɀinoʋonekwa panyama, ndiʋo ʋanokuroʋererai kuti mudziŋgiswe; ʋanoɗaro ɓedzi kuti ʋarege kutambudzwa nokuɗa kwomucinjikwa waKristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vanoda kuzvionesa nezvinoonekwa pamuviri ndivo vanokumanikidzai kudzingiswa vachingoitira chete kuti varege kutambudzirwa muchinjikwa waKristu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinoonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.
Shona 2009?
Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinovonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodarochetekuti varege kutambudzwa nokuda komuchinjikwa waKristu.
Shona SUB 2002 Bible
Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinoonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.