Galatians 6:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kunyaŋge ʋakadziŋgiswa, haʋaceŋgeti murairo ʋamene; asi ʋanoɗa kuti imi mudziŋgiswe, kuti ʋaɀirumbidze panyama yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange ivo vacho vanodzingiswa havachengeti zvisungo zvomutemo. Asi vanoda kuti imi mudzingiswe kuti vawane mukurumbira nezvakaitwa pamuviri penyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kunyange vakadzingiswa, havachengeti murayiro vamene; asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
Shona 2009?
Nokuti kunyange vakadzingiswa,havachengeti murairo vamene, asi vanoda kuti imwi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kunyangwe vakadzingiswa, havachengeti murairo vamene; asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.