Galatians 6:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana ndirini, ŋgandirege kutoŋgoɀirumbidza napaɗuku, asi ɓedzi mumucinjikwa waShe weɗu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroʋerwa pamucinjikwa kwandiri, neni ndakaroʋerwa kunyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini ngandirege kutongozvikudza kunze kwomumuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, uyo kubudikidza nawo nyika yakarovererwa kwandiri, uye ini kunyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ndirini, hazvifaniri kumbopinda mupfungwa dzangu kuti ndizvirovere dundundu chimwe chinhu kunze kwomuchinjikwa waTenzi Jesu Kristu wakaita kuti nyika ishaye maturo kwandiri sokurovererwa kwayo pamuchinjikwa uye kuti ini ndishaye maturo kwairi sokuroverwawo kwayo pamuchinjikwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waIshe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika.
Shona 2009?
Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asichetemumuchinjikwa waShe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waIshe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika.