Genesis 1:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari akati: Nyika ŋgaimerese ʋuswa nemiriʋo inoɓereka mbeu, nemiti inoɓereka micero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; ɀikaita saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akati, “Nyika ngaimere zvinomera zvorudzi norudzi, zvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi panyika,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo.
Shona 2009?
Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero ina marudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo.