Genesis 1:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari akati: Ŋgatiite munhu nomufananidzo weɗu, akafanana nesu; ŋgaaʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipfuwo, napamsoro penyika yose, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.
Shona 2009?
Mwari akati: Ngatiite munhu no­mufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegu­ngwa, napamusoro peshiri dzedenga, na­pamusoro pezvipfuwo, napamusoro pe­nyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.