Genesis 12:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abrama akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mŋanakomana womunuŋuna wake, nefuma yaʋo yose yaʋakaŋga ʋaʋuŋganidza, naʋana ʋaʋakaŋga ʋaɓereka paHarani, ʋakaɓuɗa kuenda kunyika yeKanani; ʋakandoȿika kunyika yeKanani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatora mukadzi wake Sarai, mwanakomana womunun'una wake Roti, pfuma yose yavakanga vava nayo, navanhu vavakanga vawana muHarani, uye vakasimuka vakaenda kunyika yeKenani, uye vakasvika ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhuramu akatora mudzimai wake Sarai naRoti mwanakomana womunun'una wake, noupfumi hwake hwose hwaakanga awana navaranda vaakanga awana muHarani. Akasimuka achienda kuKanani. Kuzoti asvika kuKanani,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhuramu akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwanakomana womun'una wake, nepfuma yavo yose yavakanga vaunganidza, navana vavakanga vabereka paHarani, vakabuda kuenda kunyika yeKenani; vakandosvika kunyika yeKenani.
Shona 2009?
Abhuramu aka­tora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwa­nakomana womunun'una wake, nefuma yavo yose yavakanga vaunganidza, na­vana vavakanga vabereka paHarani, va­kabuda kuenda kunyika yeKenani; vaka­ndosvika kunyika yeKenani.
Shona SUB 2002 Bible
Abhuramu akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwanakomana womunun'una wake, nepfuma yavo yose yavakanga vaunganidza, navana vavakanga vabereka paHarani, vakabuda kuenda kunyika yeKenani; vakandosvika kunyika yeKenani.