Genesis 12:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuʋa aBeteri, akadzika’po tente rake; Beteri rakaŋga riri kumaʋirazuʋa neAi kumabvazuʋa; akaʋakira’po Jehova artari, akanamata Zita raJehova ipapo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva ipapo akaenda mberi akananga kuzvikomo zviri kumabvazuva kweBheteri uye akadzika tende rake ikoko, Bheteri riri kumavirira uye Ai riri kumabvazuva. Akavakira Jehovha aritari ipapo uye akadana kuzita raJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabva ipapo akaenda kugomo riri kumabvazuva kweBhetieri. Akadzika matendhe ake panoti Bhetieri kumavirira, guta reAi nechokumabvazuva. Akavakira Tenzi atari ipapo, akanamata Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, akadzikapo tende rake; Bheteri rakanga riri kumavirazuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha atari, akanamata Zita raJehovha ipapo.
Shona 2009?
Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, akadzikapo tende rake; Bheteri rakanga riri kumavirazuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha aritari, akanamata Zita raJehovha ipapo.
Shona SUB 2002 Bible
Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBhetieri, akadzikapo tende rake; Bhetieri rakanga riri kumavirazuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha atari, akanamata Zita raJehovha ipapo.