Genesis 13:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Roti akasimudzira meso ake, akaʋona ɓani rose reJoridani, kuti rakaŋga rinemvura pose, Jehova acigere kuparadza Sodoma neGomora; rakaŋga rakaita somunda waJehova, senyika yeEgipita, kana munhu acienda Zoari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Roti akatarira kumusoro akaona bani rose reJorodhani kuti rakanga rakanyatsonyorova, sebindu raJehovha, kufanana nenyika yeIjipiti, kwakanangana neZoari. (Panguva iyi Jehovha akanga achigere kuparadza Sodhomu neGomora.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti rakanga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari.
Shona 2009?
Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti rakanga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari.
Shona SUB 2002 Bible
Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJodhani, kuti rakanga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhoma neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari.