Genesis 14:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo weSodoma wakaɓuɗa kundosoŋgana naye pakudzoka kwake pakuʋuraya Kedori‐raomeri namadzimambo akaŋga anaʋo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokudzoka kwaAbhurama akunda Kedhoraomeri namadzimambo akanga abatana naye, mambo weSodhomu akabuda kuti azosangana naye muMupata weShavhe (ndiwo Mupata waMambo).
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti Abhuramu adzoka kuya kwaakanga akunda Kedhoriraomeri namadzimambo aakanga anawo, mambo weSodhomu akandomuchingamidza pabani reShavhe (kana kuti bani raMambo).
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo weSodhomu wakabuda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhoriameri namadzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).
Shona 2009?
Ipapo mambo weSodhomu waka­buda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhorir-omeri nama­dzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo weSodhomu wakabuda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhoriameri namadzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).