Genesis 15:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari: Ndini Jehova wakakuɓuɗisa panyika yeUri yaʋaKardia, kuti ndikupe nyika iyi, iʋe nhaka yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatiwo kwaari, “Ndini Jehovha, akakubudisa munyika yeUri yavaKaradhea kuti ndikupe nyika iyi kuti uitore ive yako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akati, “Ndini Tenzi ndakakuburitsa kuUru yevaKaradhia kuti ndikupe nyika ino kuti ive yako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaari, “Ndini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.”
Shona 2009?
Akati kwaari, "Ndini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwaari, “Ndini Jehovha akakubudisa panyika yeUri yavaKaradhia, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.”