Genesis 15:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari: Nditorere tsiru rinamakore matatu, neshece yembudzi inamakore matatu, negondobge rinamakore matatu, nenjiʋa, nomŋana wenjiʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Jehovha akati kwaari, “Ndivigire tsiru, mbudzi negondohwe, chimwe nechimwe chazvo china makore matatu pamwe chete nenjiva uye nehangaiwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akati, “Chitora tsiru remombe rina makore matatu nenhunzvi yembudzi ina makore matatu nehondohwe ine makore matatu nenjiva nenyana rehangaiwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaari, “Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, namwana wenjiva.”
Shona 2009?
Akati kwaari, "Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, nemwana wenjiva."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwaari, “Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe ina makore matatu, nenjiva, namwana wenjiva.”