Genesis 16:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hagari akatumidza Jehova wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mŋari unoʋona; nokuti wakati: Ɀirokwaɀo ndamuʋona pano oenda, iye unondiʋona!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hagari akapa zita iri kuna Jehovha akataura naye akati: “Ndimi Jehovha anondiona,” nokuti akati, “Zvino ndaona Iye anondiona.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hagari akapa zita kuna Tenzi nyakutaura naye rokuti “Muri Mwari anoona,” nokuti akazviti, “Ndatarisana here chokwadi naMwari wandaona, ndikaramba ndiri mupenyu?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hagari akatumidza Jehovha wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, “Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!”
Shona 2009?
Hagari akatumidza Jehovha wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, "Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!"
Shona SUB 2002 Bible
Hagari akatumidza Jehovha akataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, “Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!”