Genesis 16:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sarai akati kunaAbrama: Tarira, Jehova wakandikonesa kuɓereka; pinda hako kumurandakadzi waŋgu, ɀimŋe ndiŋgawana ʋana naye. Abrama akaterera shoko raSarai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
saka akati kuna Abhurama, “Jehovha akandikonesa kubereka vana. Enda hako undovata nomurandakadzi wangu; zvimwe ndingaita mhuri kubudikidza naye.” Abhurama akabvuma zvakanga zvataurwa naSarai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sarai akati kuna Abhuramu, “Tenzi akandinyima mwana. Wadii kutorana zvako nomuranda wangu. Zvimwe ndiye angazondiberekerawo vana.” Abhuramu akanzwa zvakataurwa naSarai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sarai akati kuna Abhuramu, “Tarira Jehovha wakandikonesa kubereka, pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye.” Abhuramu akateerera shoko raSarai.
Shona 2009?
Sarai akati kuna Abhuramu, "Tarira Jehovha waka­ndikonesa kubereka, pinda hako kumura­ndakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye." Abhuramu akateerera shoko raSarai.
Shona SUB 2002 Bible
Sarai akati kuna Abhuramu, “Tarira Jehovha akandikonesa kubereka, pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye.” Abhuramu akateerera shoko raSarai.