Genesis 16:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abrama akati kunaSarai: Tarira, murandakadzi wako uri paruʋoko rwako, umuitire seɀaunoɗa. Ɀino Sarai wakamunetsa, akatiza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhurama akati, “Murandakadzi wako ari mumaoko ako. Ita naye zvaunofunga kuti zvakaisvonaka.” Ipapo Sarai akabata Hagari zvakaipa; saka akatiza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhuramu akataurira Sarai achiti, “Inga muranda wako ari mumaoko ako wani! Ita zvako zvaunoda naye.” Sarai akaomesera Hagari upenyu, Hagari akabva atiza pamusha ipapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhuramu akati kuna Sarai, “Tarira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda.” Zvino Sarai wakamunetsa, akatiza.
Shona 2009?
Abhuramu akati kuna Sarai, "Ta­rira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda." Zvino Sa­rai wakamunetsa, akatiza.
Shona SUB 2002 Bible
Abhuramu akati kuna Sarai, “Tarira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda.” Zvino Sarai wakamunetsa, akatiza.