Genesis 17:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari akati kwaari: Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye ucakuɓerekera mŋanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndicaita suŋgano yaŋgu naye, iʋe suŋgano isiŋgaperi pakati paʋana ʋake ʋanomuteʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mwari akati, “Hongu, asi mukadzi wako Sara achakuberekera mwanakomana, uye uchamutumidza kuti Isaka. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi yezvizvarwa zvake zvinomutevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akati, “Kwete. Sara, mudzimai wako ndiye achakuberekera mwana mukomana ugomutumidza zita rokuti Isaki. Iyeyu nezvizvarwa zvake ndiye wandichaita kuti chitenderano changu newe chienderere mberi nokusingaperi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari akati kwaari, “Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakuberekera mwanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndichaita sungano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera.
Shona 2009?
Mwari akati kwaari, "Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakuberekera mwanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndichaita sungano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari akati kwaari, “Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakuberekera mwanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndichaita sungano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera.