Genesis 17:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari akati ʋo kunaAbrahama: Kana uri’we, ceŋgeta suŋgano yaŋgu, iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera pamarudzi aʋo ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mwari akati kuna Abhurahama, “Kana uriwe, unofanira kuchengeta sungano yangu, iwe nezvizvarwa zvako zvinokutevera kumarudzi achauya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akataurira Abhurahamu kuti, “Unofanira kuchengeta chitenderano changu newe, iwe navana vako vachauya pazvizvarwa zvavo zvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, “Kana uriwe, chengeta sungano yangu, iwe navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose.
Shona 2009?
Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, "Kana uriwe, chengeta sungano yangu, iwe navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, “Kana uriwe, chengeta sungano yangu, iwe navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose.